Jeremiah 32:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ʋana ʋaIsraeri naʋana ʋaJuda ʋaiŋgoita ɀakaipa ɀoga pamberi paŋgu kubva paʋuɗuku bgaʋo; nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋakaŋgonditsamŋisa ɓedzi namaɓasa amaʋoko aʋo — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Vanhu veIsraeri navanhu veJudha havana kugona kuita chinhu chakanaka asi zvakaipa chete pamberi pangu kubva pauduku hwavo; zvirokwazvo vanhu veIsraeri havana kumbogona kuita zvakanaka asi vakanditsamwisa nezvavakaita namaoko avo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chandinodariro ndechokuti vanhu vokwaIsiraeri nevokwaJudha hapana chimwe chavakaita kusara kwouipi chete mumaziso mangu kubvira pauduku hwavo. Vanhu vokwaIsiraeri hakuna chimwe chavakaita kusara kwokungondishatirisa chete netwavanobata namaoko avo, ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti vana vaIsiraeri navana vaJudha vaingoita zvakaipa zvoga pamberi pangu kubva pahuduku hwavo; nokuti vana vaIsiraeri vakangonditsamwisa bedzi namabasa amaoko avo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona 2009?
Nokuti vana vaIsiraeri navana vaJudha vaingoita zvakaipa zvoga pamberi pangu kubva pahuduku hwavo; nokuti vana vaIsiraeri vakangonditsamwisachetenamabasa amaoko avo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti vana VaIsiraeri navana vaJudha vaingoita zvakaipa zvoga pamberi pangu kubva pahuduku hwavo; nokuti vana VaIsiraeri vakangonditsamwisa bedzi namabasa amaoko avo, ndizvo zvinotaura Jehovha.