Jeremiah 32:35 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakaʋaka mitunhu yaBaari, iri mumupata womŋanakomana waHinomi, kuti ʋapinzire Moreki ʋanakomana ʋaʋo naʋanasikana ʋaʋo mumŋoto, cinhu candisina‐kuʋaraira, kana candisina‐kufuŋga mumŋoyo maŋgu, kuti ʋaite cinhu ici cinonyaŋgadza, ʋacitadzisa Juda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakavakira Bhaari nzvimbo dzakakwirira muMupata weBheni Hinomi kuti vabayire vanakomana navanasikana vavo kuna Moreki, kunyange ndisina kuvarayira, kana kuzviisa mupfungwa dzangu, kuti vaite chinhu chinonyangadza zvakadai, nokudaro vagoita kuti Judha atadze.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakavakira Bhaari nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira mubani romwanakomana wokwaHinomu pokupira vanakomana vavo navanasikana vavo sezvibayiro kuna Moreki, kunyange zvazvo ini ndisina kuvatuma uye hazvina kana kumbouya mumwoyo mangu kuti vazoita chinhu chandisingade ichi vachipinza vokwaJudha muchitadzo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakavaka mitunhu yaBhaari, iri mumupata womwanakomana waHinomi, kuti vapinzire Moreki vanakomana vavo navanasikana vavo mumoto, chinhu chandisina kuvaraira, kana chandisina kufunga mumwoyo mangu, kuti vaite chinhu ichi chinonyangadza, vachitadzisa Judha.”
Shona 2009?
Vakavaka mitunhu yaBhaari, iri mumupata womwanakomana waHinomi, kuti vapinzire Moreki vanakomana vavo navanasikana vavo mumoto, chinhu chandisina kuvaraira, kana chandisina kufunga mumoyo mangu, kuti vaite chinhu ichi chinonyangadza, vachitadzisa Judha."
Shona SUB 2002 Bible
Vakavaka mitunhu yaBhaari, iri mumupata womwanakomana waHinomu, kuti vapinzire Moreki vanakomana vavo navanasikana vavo mumoto, chinhu chandisina kuvaraira, kana chandisina kufunga mumwoyo mangu, kuti vaite chinhu ichi chinonyangadza, vachitadzisa Judha.”