Jeremiah 32:40 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicaita naʋo suŋgano isiŋgaperi, handiŋgadzoki pakuʋateʋera kuti ndiʋaitire ɀakanaka; ndicaisa kutya mumŋoyo yaʋo kuti ʋanditye, kuti ʋarege kuzotsauka kwandiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichaita sungano isingaperi navo: handingatongomiri pakuvaitira zvakanaka uye ndichavakurudzira kuti vanditye, kuitira kuti varege kuzotsauka kubva kwandiri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichaita chitenderano navo chokugara narini wose chokuti handizomborega kuvaitira zvakanaka. Uye ndichaisa mumwoyo mavo mweya wokunditya kuti varege kuzondifuratira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndichaita navo sungano isingaperi, handingadzoki pakuvatevera kuti ndivaitire zvakanaka; ndichaisa kutya mumwoyo yavo kuti vanditye, kuti varege kuzotsauka kwandiri.
Shona 2009?
Ndichaita navo sungano isingaperi, handingadzoki pakuvatevera kuti ndivaitire zvakanaka; ndichaisa kutya mumoyo yavo kuti vanditye, kuti varege kuzotsauka kwandiri.
Shona SUB 2002 Bible
Ndichaita navo sungano isingaperi, handingadzoki pakuvatevera kuti ndivaitire zvakanaka; ndichaisa kutya mumwoyo yavo kuti vanditye, kuti varege kuzotsauka kwandiri.