Jeremiah 32:44 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanhu ʋacateŋga minda nemari, nokunyora magwaro okuteŋga, nokuanamatidza, nokuɗana ɀapupu, panyika yaBenjamini, napanɀimbo dzakapoteredza Jerusarema, nomumaguta aJuda, nomumaguta enyika yamakomo, nomumaguta amapani, nomumaguta orutiʋi rwezasi; nokuti ndicadzosa kutapxa kwaʋo — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Minda ichatengwa nesirivha, uye magwaro okutengeserana achanyorwa, nokunamwa agopupurirwa munyika yeBhenjamini, mumisha yakapoteredza Jerusarema, nomumaguta eJudha nomumaguta omunyika yezvikomo, nomujinga mezvikomo zvokumavirira, nokuNegevhi, nokuti ndichadzosazve pfuma yavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Minda ichatengwa nemari pachisainiranwa zvibvumirano zvichidhindwa zvine umbowo munyika ino iyi yokwaBhenjamini munzvimbo dzomunharaunda meJerusaremu nomumaguta okwaJudha nomumaguta okunyika yemakomo uye nomumaguta okunyika yokumanhika kuShefera uyewo nomumaguta okuNegevhu nokuti ndichavadzosera makomborero avo, ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Vanhu vachatenga minda nemari, nokunyora magwaro okutenga, nokuanamatidza, nokudana zvapupu, panyika yaBhenjamini, napanzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu, nomumaguta aJudha, nomumaguta enyika yamakomo, nomumaguta amapani, nomumaguta orutivi rwezasi; nokuti ndichadzosa kutapwa kwavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.”
Shona 2009?
"Vanhu vachatenga minda nemari, nokunyora magwaro okutenga, nokuanamatidza, nokudana zvapupu, panyika yaBhenjamini, napanzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu, nomumaguta aJudha, nomumaguta enyika yamakomo, nomumaguta amapani, nomumaguta orutivi rwezasi; nokuti ndichadzosa kutapwa kwavo, ndizvo zvinotaura Jehovha."
Shona SUB 2002 Bible
“Vanhu vachatenga minda nemari, nokunyora magwaro okutenga, nokuanamatidza, nokudana zvapupu, panyika yaBhenjamini, napanzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu, nomumaguta aJudha, nomumaguta enyika yamakomo, nomumaguta amapani, nomumaguta orutivi rwezasi; nokuti ndichadzosa kutapwa kwavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.”