Jeremiah 32:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo Hanameri mŋanakomana wasekuru ʋaŋgu wakaʋuya kwandiri muruʋazhe rwaʋarindi, seɀakarebga neshoko raJehova, akati kwandiri: Ƌonditeŋgera hako munda waŋgu uri paAnatoti, riri munyika yaBenjamini, nokuti ndiwe unesimba rokugara nhaka, ndiwe unofanira kudzikinura; ciɀiteŋgera iwo. Ipapo ndakaziʋa kuti ishoko raJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ipapo, sokutaura kwakanga kwaita Jehovha, sekuru wangu Hanameri akauya kwandiri ndiri muruvazhe rwavarindi akati, ‘Tenga munda wangu uri paAnatoti munyika yeBhenjamini. Chizvitengera iwe kuti uve wako sezvo uriwe une kodzero yokuudzikinura.’ “Ndakazviziva kuti iri raiva shoko raJehovha;
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Munun'una wangu Hananero akazouyawo kwandiri ndiri munhandare yevachengetedzi vokwamambo maererano neshoko raTenzi akati kwandiri, ‘Tengai henyu munda wangu uri kuAnatoti munyika yokwaBhenjamini nokuti imi ndimi mune mvumo yokutenga neyokuva mwene wawo. Dai henyu mukautenga!’ Ini ndokubva ndaziva kuti ndoshoko raTenzi riya.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo Hanameri mwanakomana wasekuru vangu wakauya kwandiri muruvazhe rwavarindi, sezvakarehwa neshoko raJehovha, akati kwandiri, “Donditengera hako munda wangu uri paAnatoti, riri munyika yaBhenjamini, nokuti ndiwe unesimba rokugara nhaka, ndiwe unofanira kudzikinura; chizvitengera iwo.” Ipapo ndakaziva kuti ishoko raJehovha.
Shona 2009?
Naizvozvo Hanameri mwanakomana wasekuru vangu wakauya kwandiri muruvazhe rwavarindi, sezvakarehwa neshoko raJehovha, akati kwandiri, "Donditengera hako munda wangu uri paAnatoti, riri munyika yaBhenjamini, nokuti ndiwe unesimba rokugara nhaka, ndiwe unofanira kudzikunura; chizvitengera iwo." Ipapo ndakaziva kuti ishoko raJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo Hanameri mwanakomana wasekuru vangu wakauya kwandiri muruvazhe rwavarindi, sezvakarehwa neshoko raJehovha, akati kwandiri, “Donditengera hako munda wangu uri paAnatoti, riri munyika yaBhenjamini, nokuti ndiwe une simba rokugara nhaka, ndiwe unofanira kudzikinura; chizvitengera iwo.” Ipapo ndakaziva kuti ishoko raJehovha.