Jeremiah 33:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mumaguta enyika yamakomo, mumaguta amapani, mumaguta orutiʋi rwezasi, napanyika yaBenjamini, napanɀimbo dzakapoteredza Jerusarema, nomumaguta aJuda, makwai acapfuʋura ɀe pasi poruʋoko rwounoaʋereŋga — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumaguta enyika yezvikomo, neemujinga mezvikomo zvokumavirira neokuNegevhi, munyika yaBhenjamini, nomumisha yakapoteredza Jerusarema nomumaguta eJudha, makwai achapfuurazve napasi poruoko rwunoaverenga,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumaguta omunyika yamakomo nomumaguta okunyika yokunhika kuShefera uye nomumaguta okuNegevhu nokunyika yokwaBhenjamini munzvimbo dzose dzomunharaunda meJerusaremu nomumaguta okwaJudha, matanga ezvipfuwo achapfuura zvakare napasi poruoko rweanoaverenga ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mumaguta enyika yamakomo, mumaguta amapani, mumaguta orutivi rwezasi, napanyika yaBhenjamini, napanzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu, nomumaguta aJudha, makwai achapfuurazve pasi poruoko rwounoaverenga, ndizvo zvinotaura Jehovha.”
Shona 2009?
Mumaguta enyika yamakomo, mumaguta amapani, mumaguta orutivi rwezasi, napanyika yaBhenjamini, napanzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu, nomumaguta aJudha, makwai achapfuurazve pasi poruoko rwounowaverenga, ndizvo zvinotaura Jehovha."
Shona SUB 2002 Bible
Mumaguta enyika yamakomo, mumaguta amapani, mumaguta orutivi rwezasi, napanyika yaBhenjamini, napanzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu, nomumaguta aJudha, makwai achapfuurazve pasi poruoko rwounoaverenga, ndizvo zvinotaura Jehovha.”