Jeremiah 33:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
naʋaprista ʋaRevi haʋaŋgashaiwi munhu pamberi paŋgu uŋgapisa ɀipiriso ɀinopiswa nokupisa ɀipiriso ɀoʋupfu, nokugara aciɓayira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana vaprista, vorudzi rwaRevhi, havangashayiwi munhu angamira pamberi pangu nguva dzose kuti apisire zvipiriso, nokupisa zvipiriso zvezviyo nokugara achipa zvibayiro.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
uye vapristi vechiRevhi havazombofa vashayawo mumwe wokwavo wokupira pandiri mipiro yokupisa uye kupisa mipiro youpfu hwembesanwa nokuita zvibayiro narini wose.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
navapristi vaRevhi havangashaiwi munhu pamberi pangu ungapisa zvipiriso zvinopiswa nokupisa zvipiriso zvoupfu, nokugara achibayira.’ ”
Shona 2009?
navaprista vaRevhi havangashaiwi munhu pamberi pangu ungapisa zvipiriso zvinopiswa nokupisa zvipiriso zvoupfu, nokugara achibayira.' "
Shona SUB 2002 Bible
navapristi vaRevhi havangashaiwi munhu pamberi pangu ungapisa zvipiriso zvinopiswa nokupisa zvipiriso zvoupfu, nokugara achibayira.’ ”