Jeremiah 33:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova: Kana muŋgagona kuputsa suŋgano yaŋgu yamasikati nesuŋgano yaŋgu yoʋusiku, kukarega kuʋa namasikati noʋusiku neŋguʋa yaɀo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvanzi naJehovha, ‘Kana mukagona kuputsa sungano yangu namasikati uye sungano yangu nousiku, zvokuti masikati nousiku zvirege kuvapo nenguva yakatarwa,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvanzi naTenzi, kana mukagona kutyora chitenderano changu chandakaitirana nesiku kana chitenderano changu chandakaitirana nesikati zvokuti masikati kana usiku zvibva zvarega kuuya nenguva yazvo yazvakatemerwa,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvanzi naJehovha, ‘Kana mungagona kuputsa sungano yangu yamasikati nesungano yangu yousiku, kukarega kuva namasikati nohusiku nenguva yazvo;
Shona 2009?
"Zvanzi naJehovha, `Kana mungagona kuputsa sungano yangu yamasikati nesungano yangu yousiku, kukarega kuva namasikati novusiku nenguva yazvo;
Shona SUB 2002 Bible
“Zvanzi naJehovha, ‘Kana mungagona kuputsa sungano yangu yamasikati nesungano yangu yousiku, kukarega kuva namasikati nousiku nenguva yazvo;