Jeremiah 33:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hauraŋgariri ɀakataurwa naʋanhu aʋa, ɀaʋakati: Marudzi maʋiri akatsaurwa naJehova, akarashwa naye? Saiɀoɀo ʋanoɀidza ʋanhu ʋaŋgu, ʋaciti haʋaci rudzi pamberi paʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Hauna kucherechedza here kuti vanhu ava vanoti, ‘Jehovha akaramba umambo hwose huri huviri hwaakanga asarudza’? Saka vari kushora vanhu vangu nokusavaona sorudzi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zviri kutaura vanhu ava hauna kumbozviongororawo here zvokuti, Tenzi akaramba mhuri mbiri dzaakanga asarudza? Ipapo vanozvidza vanhu vangu zvokuti, kutaura kuno, vava kutovaona sorudzi pasina.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Haurangariri zvakataurwa navanhu ava, zvavakati, ‘Marudzi maviri akatsaurwa naJehovha, akarashwa naye?’ Saizvozvo vanozvidza vanhu vangu, vachiti havachiri rudzi pamberi pavo.
Shona 2009?
"Haurangariri zvakataurwa navanhu ava, zvavakati, `Marudzi maviri akatsaurwa naJehovha, akarashwa naye?' Saizvozvo vanozvidza vanhu vangu, vachiti havachiri rudzi pamberi pavo.
Shona SUB 2002 Bible
“Haurangariri zvakataurwa navanhu ava, zvavakati, ‘Marudzi maviri akatsaurwa naJehovha, akaraswa naye?’ Saizvozvo vanozvidza vanhu vangu, vachiti havachiri rudzi pamberi pavo.