Jeremiah 33:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ipapo ndicarasha ʋo ʋana ʋaJakobo, naʋaDavidi muranda waŋgu, kuti ndirege kutora ʋamŋe ʋaʋana ʋake ʋaʋe ʋaɓati ʋaʋana ʋaAbrahama naIsaka naJakobo; nokuti ndicadzosa kutapxa kwaʋo nokuʋanzwira nyasha.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
ipapo ndicharamba vana vaJakobho naDhavhidhi muranda wangu uye handingasarudzi mumwe wavanakomana vake kuti abate ushe pamusoro pavana vaAbhurahama, naIsaka naJakobho. Nokuti ndichadzosa nhaka yavo uye ndichavanzwira tsitsi.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
ndingadaiwo ndaizoramba zvizvarwa zvokwaJakobho nezvokwaDhavhidhi muranda wangu ndichibva ndarega kuzvisarudzira kana nomumwe zvake wechizvarwa chokwake wokuzotonga vembeu yokwaAbhurahamu naIsaki naJakobho nokuti ndichachinja utapwa hwavo ndichavanzwirawo ngoni.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ipapo ndicharashawo vana vaJakobho, navaDhavhidhi muranda wangu, kuti ndirege kutora vamwe vavana vake vave vabati vavana vaAbhurahamu naIsaka naJakobho; nokuti ndichadzosa kutapwa kwavo nokuvanzwira nyasha.’ ”
Shona 2009?
ipapo ndicharashawo vana vaJakobho, navaDhavhidhi muranda wangu, kuti ndirege kutora vamwe vavana vake vave vabati vavana vaAbhurahamu nalsaka naJakobho; nokuti ndichadzosa kutapwa kwavo nokuvanzwira nyasha.' "
Shona SUB 2002 Bible
ipapo ndicharashawo vana vaJakobho, navaDhavhidhi muranda wangu, kuti ndirege kutora vamwe vavana vake vave vabati vavana vaAbhurahamu naIsaka naJakobho; nokuti ndichadzosa kutapwa kwavo nokuvanzwira nyasha.’ ”