Jeremiah 33:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri pamsoro pedzimba dzeguta rino, napamsoro pedzimba dzamadzimambo aJuda, dzakakoromorwa kuzorwa nemirwi yokurwa neminondo:
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, pamusoro pedzimba dziri muguta rino uye nomuzinda wamadzimambo eJudha zvakakoromorerwa pasi kuti zvishandiswe pakuputsa mirwi yakakomba guta uye minondo,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinodaro nokuti zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri nezvedzimba dzeguta rino uye nezvemizinda yamadzimambo okwaJudha zvakapazirwa kuti pavakwe zvokuzvidzivirira nazvo kuhondo yezvimidhuri zvinenge musana wenzou nokubakatwa,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri pamusoro pedzimba dzeguta rino, napamusoro pedzimba dzamadzimambo aJudha, dzakakoromorwa kuzorwa nemirwi yokurwa neminondo,
Shona 2009?
Nokuti zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri pamusoro pedzimba dzeguta rino, napamusoro pedzimba dzamadzimambo aJudha, dzakakoromorwa kuzorwa nemirwi yokurwa neminondo,
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri pamusoro pedzimba dzeguta rino, napamusoro pedzimba dzamadzimambo aJudha, dzakakoromorwa kuzorwa nemirwi yokurwa neminondo,