Jeremiah 33:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanoʋuya haʋo kurwa naʋaKardea, asi ʋanodzizadza neɀitunha ɀaʋanhu ʋandakaʋuraya nokutsamŋa kwaŋgu nehasha dzaŋgu, ndikaʋanzira guta rino ciso caŋgu nokuɗa kwokuipa kwaʋo kwose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
mukurwisana navaBhabhironi, ‘Zvichazadzwa nezvitunha zvavanhu vandichauraya pakutsamwa kwangu nehasha dzangu. Ndichavanzira guta rino chiso changu nokuda kwokuipa kwaro kwose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
vaKaridhea vari kuuya muno kuzorwisa nokudzizadza nezvitunha zvavanhu vandicharakatisa ndakatsamwa ndakashatirwa. Chandinodariro ndechokuti guta rino ndakatorifuratira pamusana pouipi hwavo vose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
‘Vanouya havo kuzorwa navaKaradhea, asi vanodzizadza nezvitunha zvavanhu vandakauraya nokutsamwa kwangu nehasha dzangu, ndikavanzira guta rino chiso changu nokuda kwokuipa kwavo kwose.’
Shona 2009?
‘Vanouya havo kuzorwa navaKaradhea, asi vanodzizadza nezvitunha zvavanhu vandakauraya nokutsamwa kwangu nehasha dzangu, ndikavanzira guta rino chiso changu nokuda kokuipa kwavo kose.'
Shona SUB 2002 Bible
‘Vanouya havo kuzorwa navaKaradhia, asi vanodzizadza nezvitunha zvavanhu vandakauraya nokutsamwa kwangu nehasha dzangu, ndikavanzira guta rino chiso changu nokuda kwokuipa kwavo kwose.’