Jeremiah 34:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Shoko, rakaȿika kunaJeremia, ricibva kunaJehova, paŋguʋa iyo Nebukadnezari mambo weBabironi, nehondo yake yose, noʋushe bgose bgenyika bgakaŋga bgakaɓatwa naye, namarudzi ose, ʋacirwa neJerusarema namaguta ose aro, riciti:
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shoko iri rakasvika kuna Jeremia richibva kuna Jehovha, panguva iyo Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi nehondo yake yose, noushe hwose hwapanyika hwaakanga akabata, navanhu vose, achirwa neJerusarema namaguta ose airipoteredza, richiti,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izwi rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi, izvozvo Nebhukadhireza mambo weBhabhironi nehondo yake yose nenyika dzose dzohumambo hwapasi pano dzaaitonga namarudzi ose avanhu vakanga vachirwisa Jerusaremu namaguta ayo ose rikati,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Shoko, rakasvika kuna Jeremiya, richibva kuna Jehovha, panguva iyo Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, nehondo yake yose, noushe hwose hwenyika hwakanga hwakabatwa naye, namarudzi ose, vachirwa neJerusaremu namaguta ose aro, richiti,
Shona 2009?
Shoko, rakasvika kuna Jeremiya, richibva kuna Jehovha, panguva iyo Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, nehondo yake yose, noushe hwose bwenyika hwakanga hwakabatwa naye, namarudzi ose, vachirwa neJerusaremu namaguta ose aro, richiti,
Shona SUB 2002 Bible
Shoko, rakasvika kuna Jeremiya, richibva kuna Jehovha, panguva iyo Nebhukadhineza mambo weBhabhironi, nehondo yake yose, noushe hwose hwenyika hwakanga hwakabatwa naye, namarudzi ose, vachirwa neJerusaremu namaguta ose aro, richiti,