Jeremiah 34:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Macinda ose naʋanhu ʋose ʋakaterera, iʋo ʋakaŋga ʋatenda suŋgano, kuti mumŋe nomumŋe atendere muranda wake nomumŋe nomumŋe mushandiri wake kuti ʋaende haʋo, kuti kurege kuzoʋa nomunhu unoʋaita ʋaranda; ʋakaterera, ʋakaʋatendera kuenda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka machinda ose navanhu vose vakapinda pasungano iyi, vakatenderana ndokuvasunungura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vakabvawo vateerera, paiti machinda ose navanhu vose vakanga vapinda muchibvumirano ichochi chokuti: Munhu wose anofanira kuzosunungura muranda wake wechirume kana wechikadzi kuitira kuti varege kuzoitwazve varanda. Vakateerera vakavasunungura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Machinda ose navanhu vose vakaterera, ivo vakanga vatenda sungano, kuti mumwe nomumwe atendere muranda wake nomumwe nomumwe mushandiri wake kuti vaende havo, kuti kurege kuzova nomunhu unovaita varanda; vakaterera, vakavatendera kuenda.
Shona 2009?
Machinda ose navanhu vose vakateerera, ivo vakanga vatenda sungano, kuti mumwe nomumwe atendere muranda wake nomumwe nomumwe mushandiri wake kuti vaende havo, kuti kurege kuzova nomunhu unovaita varanda; vakateerera, vakavatendera kuenda.
Shona SUB 2002 Bible