Jeremiah 34:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana makore manomŋe apera, munofanira mumŋe nomumŋe kutendera hama yake muHeberu kuti aende hake, iye wakaŋga akateŋgeswa kwauri, akakuɓatira makore matanhatu, unofanira kumutendera kuti aende hake, abve kwauri; asi madziɓaɓa enyu haanakunditerera, kana kurerekera nzeʋe dzaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
‘Gore rechinomwe roga roga, mumwe nomumwe wenyu anofanira kusunungura hama ipi zvayo yechiHebheru yakazvitengesa kwauri. Mushure mokukushandira makore matanhatu, unofanira kumuregedza aende. Kunyange zvakadaro, madzibaba enyu, haana kunditeerera kana kundirerekera nzeve dzavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
‘Kukange kwapera makore matanhatu mumwe nomumwe wenyu anofanira kusunungura mumwe wake wechiHebheru anenge akatengeswa kwauri akushandira kwamakore matanhatu. Murege aende zvake asununguke kwauri.’ Asi madzibaba enyu akaramba kunditeerera kana kurerekera zvavo nzeve kwandiri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
‘Kana makore manomwe apera, munofanira mumwe nomumwe kutendera hama yake muHebheru kuti aende hake, iye wakanga akatengeswa kwauri, akakubatira makore matanhatu, unofanira kumutendera kuti aende hake, abve kwauri; asi madzibaba enyu haana kunditerera, kana kurerekera nzeve dzavo.’
Shona 2009?
‘Kana makore manomwe apera, munofanira mumwe nomumwe kutendera hama yake muHebheru kuti aende hake, iye wakanga akatengeswa kwauri, akakubatira makore matanhatu, unofanira kumutendera kuti aende hake, abve kwauri; asi madzibaba enyu haana kunditeerera, kana kurerekera nzeve dzavo.'
Shona SUB 2002 Bible
‘Kana makore manomwe apera, munofanira mumwe nomumwe kutendera hama yake muHebheru kuti aende hake, iye wakanga akatengeswa kwauri, akakubatira makore matanhatu, unofanira kumutendera kuti aende hake, abve kwauri; asi madzibaba enyu haana kunditeerera, kana kurerekera nzeve dzavo.’