Jeremiah 34:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀanzi naJehova: Hamuna‐kunditerera, mukaparidzira mumŋe nomumŋe hama yake nomumŋe nomumŋe wokwake kuti uŋgasunuŋgurwa hake; tarirai, ini ndinokuparidzirai kuti mucasunuŋgurirwa munondo, nehosha yakaipa, nenzara — ndiɀo ɀinotaura Jehova; ndicakuitai cinhu cinotyisa ʋushe bgose bgenyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Naizvozvo zvanzi naJehovha: Hamuna kunditeerera; hamuna kudanidzira rusununguko kuvanhu venyika yokwenyu. Saka, zvino ini ndava kukudanidzirai rusununguko, ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘rusununguko’ rwokufa nomunondo, nenzara uye nedenda. Ndichakuitai chinhu chinonyangadza kuushe hwose hwenyika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo zvanzi naTenzi, imi hamuna kunditeerera nokusaparidzirana kwamaitirana rusununguko kuno mumwe nomumwe wenyu rwokuuraiwa uye kuhama nehama. Chinzwai imi ndava kukuparidzirai rusununguko rwamuchaitwa nebakatwa nedenda neshangwa yenzara ndizvo zviri kutaura Tenzi. Ndichakuitai chinhu chinokatyamadza kwazvo kunyika dzose dzoumambo hwapasi pano.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Hamuna kunditerera, mukaparidzira mumwe nomumwe hama yake nomumwe nomumwe wokwake kuti ungasunungurwa hake; tarirai, ini ndinokuparidzirai kuti muchasunungurirwa munondo, nehosha yakaipa, nenzara, ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichakuitai chinhu chinotyisa ushe hwose hwenyika.’
Shona 2009?
Naizvozvo zvanzi naJehovha, `Hamuna kunditeerera, mukaparidzira mumwe nomumwe hama yake nomumwe nomumwe wokwake kuti ungasunungurwa hake; tarirai, ini ndinokuparidzirai kuti muchasunungurirwa munondo, nehosha yakaipa, nenzara, ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichakuitai chinhu chinotyisa ushe hwose bwenyika.'
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Hamuna kunditeerera, mukaparidzira mumwe nomumwe hama yake nomumwe nomumwe wokwake kuti ungasunungurwa hake; tarirai, ini ndinokuparidzirai kuti muchasunungurirwa munondo, nechirwere chakaipa, nenzara, ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichakuitai chinhu chinotyisa ushe hwose hwenyika.’