Jeremiah 34:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova, Mŋari waIsraeri: Enda, undotaura naZedekia mambo waJuda, uti kwaari: Ɀanzi naJehova: Tarira, ndicaisa guta rino muruʋoko rwamambo weBabironi, iye ucaripisa nomŋoto;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Enda kuna Zedhekia mambo weJudha umuudze kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndava pedyo nokuisa guta rino muruoko rwamambo weBhabhironi, uye acharipisa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, enda undotaura naZedhekiya mambo wokwaJudha uti kwaari, zvanzi naTenzi, chiona, ndiri kuisa guta rino irori mumaoko amambo weBhabhironi. Iye acharipisa nomoto.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, ‘Enda, undotaura naZedhekia mambo waJudha,’ uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha, tarira, ndichaisa guta rino muruoko rwamambo weBhabhironi, iye ucharipisa nomoto;
Shona 2009?
"Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, `Enda, undotaura naZedhekia mambo waJudha; uti kwaari, `Zvanzi naJehovha, tarira, ndichaisa guta rino muruoko rwamambo weBhabhironi, iye ucharipisa nomoto;
Shona SUB 2002 Bible
“Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, ‘Enda, undotaura naZedhekiya mambo waJudha,’ uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha, tarira, ndichaisa guta rino muruoko rwamambo weBhabhironi, iye ucharipisa nomoto;