Jeremiah 34:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
iwe ucafa norugare; seɀaʋakapisira madziɓaɓa ako, iwo madzimambo akare akakutaŋgira, saiɀoɀo ʋacakupisira ʋo; ʋacakucema ʋaciti: Haiwa ishe! Nokuti ndini ndakataura shoko iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uchafa murunyararo. Vanhu sezvavakavesa moto pamariro vachiremekedza madzibaba ako, iwo madzimambo akare akakutangira, saizvozvo vachavesa moto vachikuremekedza vagochema vachiti, “Yowe-e, nhai tenzi!” Ndini pachangu ndavimbisa izvi, ndizvo zvinotaura Jehovha.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uchafa zvako murugare.’ Uye sokupisirwa kwaingoitwa zvinonhuwirira madzibaba ako, madzimambo ekare aya akakutangira, ndokupisawo kuchaita vanhu zvinonhuwira vachiitira iwe vachiungudza kukuchema vachiti, ‘Maiwe changamire!’ Chiripo ndechokuti ndini ndazvireva, ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
iwe uchafa norugare; sezvavakapisira madzimababa ako, iwo madzimambo akare akakutangira, saizvozvo vachakupisirawo; vachakuchema vachiti, ‘Haiwa ishe!’ Nokuti ndini ndakataura shoko iro, ndizvo zvinotaura Jehovha.”
Shona 2009?
iwe uchafa norugare; sezvavakapisira madzimababa ako, iwo madzimambo akare akakutangira, saizvozvo vachakupisirawo; vachakuchema vachiti, `Haiwa ishe!' Nokuti ndini ndakataura shoko iro, ndizvo zvinotaura Jehovha."
Shona SUB 2002 Bible
iwe uchafa norugare; sezvavakapisira madzimababa ako, iwo madzimambo akare akakutangira, saizvozvo vachakupisirawo; vachakuchema vachiti, ‘Haiwa ishe!’ Nokuti ndini ndakataura shoko iro, ndizvo zvinotaura Jehovha.”