Jeremiah 34:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuti mumŋe nomumŋe unofanira kutendera muranda wake, nomumŋe nomumŋe mushandiri wake, waiʋa muHeberu, murume kana mukadzi, kuti aende hake; kuti kurege kuʋa nomuJuda unoita hama yake muranda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe nomumwe aifanira kusunungura varanda vake vechiHebheru, vose varume navakadzi; hakuna aifanira kurega hama yake yechiJudha iri pausungwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
chinoti: Munhu wose anofanira kusunungura varanda vake vechiHebheru vechirume kana vechikadzi zvokuti hakuna anofanira kuita kuti hama yake muJudha ave muranda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti mumwe nomumwe unofanira kutendera muranda wake, nomumwe nomumwe mushandiri wake, waiva muHebheru, murume kana mukadzi, kuti aende hake; kuti kurege kuva nomuJudha unoita hama yake muranda.
Shona 2009?
kuti mumwe nomumwe unofanira kutendera muranda wake, nomumwe nomumwe mushandiri wake, waiva muHebheru, murume kana mukadzi, kuti aende hake; kuti kurege kuva nomuJudha unoita hama yake muranda.
Shona SUB 2002 Bible
kuti mumwe nomumwe unofanira kutendera muranda wake, nomumwe nomumwe mushandiri wake, waiva muHebheru, murume kana mukadzi, kuti aende hake; kuti kurege kuva nomuJudha unoita hama yake muranda.