Jeremiah 35:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Nebukadrezari mambo weBabironi wakati aciȿika munyika ino, tikati: Hendei, tiende Jerusarema nokuti tinotya hondo yaʋaKardea, ʋuye tinotya hondo yaʋaSiria; naiɀoɀo tigere Jerusarema.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akati apinda munyika ino, isu takati, ‘Uyai, tiende kuJerusarema titize hondo yavaBhabhironi neyavaAramu.’ Saka takaramba tiri muJerusarema.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi pakazouya Nebhukadhireza mambo weBhabhironi kuzorwisa nyika ino, takataurirana kuti regai tiende kuJerusaremu kuri kutya hondo yavarwi vechiKaridhea nehondo yevarwi vechiSiria. Saka tigere muJerusaremu kudai.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakati achisvika munyika ino, tikati, ‘Hendei, tiende Jerusaremu nokuti tinotya hondo yavaKaradhea, uye tinotya hondo yavaSiria; naizvozvo tigere Jerusaremu.’ ”
Shona 2009?
Asi Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakati achisvika munyika ino, tikati, `Hendei, tiende Jerusaremu nokuti tinotya hondo yavaKaradhea, uye tinotya hondo yavaSiria; naizvozvo tigere Jerusaremu.' "
Shona SUB 2002 Bible
Asi Nebhukadhineza mambo weBhabhironi wakati achisvika munyika ino, tikati, ‘Hendei, tiende Jerusaremu nokuti tinotya hondo yavaKaradhia, uye tinotya hondo yavaSiria; naizvozvo tigere Jerusaremu.’ ”