Jeremiah 35:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mashoko aJonadabi mŋanakomana waRekabi, aakaraira ʋanakomana ʋake, kuti ʋarege kunwa waini, anotererwa; kuȿikira zuʋa ranhasi haʋanwi, nokuti ʋanoterera murairo waɓaɓa ʋaʋo. Asi ini ndakataura nemi, ndicimuka maŋgwanani ndicitaura; asi hamuna‐kunditerera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
‘Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi akarayira vanakomana vake kuti varege kunwa waini uye murayiro uyu wanga uchingochengetwa. Kusvikira zuva ranhasi havanwi waini, nokuti vanoteerera murayiro watateguru wavo. Asi ini ndakataura ndataurazve nemi, asi hamuna kunditeerera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mutemo uya wakatemwa naJonadhabhu mwana waRekabhu waakapa vana vake kuti varege kunwa waini uri kuchengetwa. Havanwi waini kusvikira pari nhasi nokuti vanoteerera mutemo wababa wavo. Ndakataura ndataurazve kwamuri, asi imi hamuna kunditeerera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mashoko aJonadhabhi mwanakomana waRekabhi, aakaraira vanakomana vake, kuti varege kunwa waini, anotererwa; kusvikira zuva ranhasi havanwi, nokuti vanoterera murayiro wababa wavo. Asi ini ndakataura nemi, ndichimuka mangwanani ndichitaura; asi hamuna kunditerera.
Shona 2009?
Mashoko aJonadhabhi mwanakomana waRekabhi, aakaraira vanakomana vake, kuti varege kumwa waini, anoteererwa; kusvikira zuva ranhasi havamwi, nokuti vanoteerera murayiro wababa wavo. Asi ini ndakataura nemi, ndichimuka mangwanani ndichitaura; asi hamuna kunditeerera.
Shona SUB 2002 Bible
Mashoko aJonadhabhi mwanakomana waRekabhi, aakaraira vanakomana vake, kuti varege kunwa waini, anotererwa; kusvikira zuva ranhasi havanwi, nokuti vanoteerera murairo wababa wavo. Asi ini ndakataura nemi, ndichimuka mangwanani ndichitaura; asi hamuna kunditerera.