Jeremiah 35:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndakatuma ʋo kwamuri ʋaranda ʋaŋgu ʋose ʋaʋaprofita, ndicimuka maŋgwanani, ndiciʋatuma, ndiciti: Dzokai ɀino mumŋe nomumŋe panzira yake yakaipa, munatse ɀamunoita, murege kuteʋera ʋamŋe ʋamŋari muciʋashumira, ipapo mucagara panyika yandakakupai imi namadziɓaɓa enyu; asi hamuna‐kurerekera nzeʋe dzenyu, kana kunditerera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ini ndakatuma ndatumazve kwamuri varanda vangu vose ivo vaprofita. Ivo vakati kwamuri, “Mumwe nomumwe wenyu anofanira kudzoka panzira dzakaipa dzake dzose mugonatsa zviito zvenyu; murege kutevera vamwe vamwari kuti muvashumire. Ipapo muchagara munyika yandakakupai imi namadzibaba enyu.” Asi hamuna kumborerekera nzeve dzenyu kwandiri kana kundinzwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakakutumirai varanda vangu vose, vaporofita, ndichivatuma ndatumazve ndichiti, munhu wose ngaatendeuke asiye nzira dzake dzakaipa, mugadziridze zviito zvenyu, murege kutevedza vamwe vamwari muchivashandira. Ipapo munozogara munyika yandakakupai imi namadzibaba enyu. Asi imi hamuna kurerekera nzeve kana kundinzwa zvako.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndakatumawo kwamuri varanda vangu vose vavaporofita, ndichimuka mangwanani, ndichivatuma, ndichiti, ‘Dzokai zvino mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, munatse zvamunoita, murege kutevera vamwe vamwari muchivashumira, ipapo muchagara panyika yandakakupai imi namadzibaba enyu; asi hamuna kurerekera nzeve dzenyu, kana kunditerera.’
Shona 2009?
Ndakatumawo kwamuri varanda vangu vose vavaporofita, ndichimuka mangwanani, ndichivatuma, ndichiti, `Dzokai zvino mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, munatse zvamunoita, murege kutevera vamwe vamwari muchivashumira, ipapo muchagara panyika yandakakupai imwi namadzibaba enyu; asi hamuna kurerekera nzeve dzenyu, kana kunditeerera.'
Shona SUB 2002 Bible
Ndakatumawo kwamuri varanda vangu vose vavaporofita, ndichimuka mangwanani, ndichivatuma, ndichiti, ‘Dzokai zvino mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, munatse zvamunoita, murege kutevera vamwe vamwari muchivashumira, ipapo muchagara panyika yandakakupai imi namadzibaba enyu; asi hamuna kurerekera nzeve dzenyu, kana kunditeerera.’