Jeremiah 35:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
naiɀoɀo ɀanzi naJehova, Mŋari wehondo, Mŋari waIsraeri; Tarirai, ndicaʋuyisa pamsoro paJuda napamsoro paʋose ʋagere Jerusarema ɀakaipa ɀose ɀandakareʋa pamsoro paʋo; nokuti ndakataura naʋo, asi haʋana‐kunzwa, ndakaʋaɗana, asi haʋana‐kuɗaʋira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Naizvozvo, zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, ‘Inzwai! Ndava kuuyisa pamusoro peJudha napamusoro pavose vagere muJerusarema njodzi dzose dzandakareva pamusoro pavo. Ndakataura kwavari, asi havana kuteerera; ndakavadana, asi havana kudavira.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndokusakawo zvanzi naTenzi, Mwari wehondo nehondo, Mwari waIsiraeri, Chinzwai, ndava kuunzira nyika yokwaJudha navagari vose veJerusaremu nhamo yose yandanga ndati ivawire. Ndinodaro nokuti ndakavaudza asi havana kumboteerera. Ndakavashevedza asi ivo havana kudavira.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri; ‘Tarirai, ndichauyisa pamusoro paJudha napamusoro pavose vagere Jerusaremu zvakaipa zvose zvandakareva pamusoro pavo; nokuti ndakataura navo, asi havana kunzwa, ndakavadana, asi havana kudavira.’
Shona 2009?
naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri; `Tarirai, ndichauyisa pamusoro paJudha napamusoro pavose vagere Jerusaremu zvakaipa zvose zvandakareva pamusoro pavo; nokuti ndakataura navo, asi havana kunzwa, ndakavadana, asi havana kudavira.'
Shona SUB 2002 Bible
naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri; ‘Tarirai, ndichauyisa pamusoro paJudha napamusoro pavose vagere Jerusaremu zvakaipa zvose zvandakareva pamusoro pavo; nokuti ndakataura navo, asi havana kunzwa, ndakavadana, asi havana kudavira.’