Jeremiah 35:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jeremia akati kuimba yaʋaRekabi: Ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Ɀamakaterera murairo waJonadabi ɓaɓa ʋenyu, mukaceŋgeta ɀireʋo ɀaʋo ɀose, mukaita ɀose seɀamakarairwa naʋo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jeremia akati kumhuri yavaRekabhi, “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, ‘Makateerera murayiro watateguru wenyu Jonadhabhi nokutevera zvaakarayira zvose uye mukaita zvose zvaakatema.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi kune vemba yokwaRekabhu, Jeremiya akati, “Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, pamusana pokuteerera kwamunoita mutemo wababa wenyu Jonadhabhu muchichengeta mirao yake yose muchiita zvese zvaakati muite,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino Jeremiya akati kuimba yavaRekabhi, ‘Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, zvamakaterera murayiro waJonadhabhi baba venyu, mukachengeta zvirevo zvavo zvose, mukaita zvose sezvamakarairwa navo;’
Shona 2009?
"Zvino Jeremiya akati kuimba yavaRekabhi, `Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, zvamakateerera murayiro waJonadhabhi baba venyu, mukachengeta zvirevo zvavo zvose, mukaita zvose sezvamakarairwa navo;'
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino Jeremiya akati kuimba yavaRekabhi, ‘Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, zvamakateerera murairo waJonadhabhi baba venyu, mukachengeta zvirevo zvavo zvose, mukaita zvose sezvamakarairwa navo;’