Jeremiah 35:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi iʋo ʋakati: Hatiŋganwi waini, nokuti Jonadabi mŋanakomana waRekabi, ɓaɓa ʋeɗu, ʋakatiraira ʋaciti: Regai kunwa waini, imi, naʋanakomana ʋenyu nokusiŋgaperi;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi ivo vakapindura vakati, “Hatinwi waini, nokuti tateguru wedu Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi akatipa murayiro uyu wokuti, ‘Imi kana vana venyu hamufaniri kunwa waini zvachose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi ivo ndokupindura vachiti, “Hatisi kuzonwa waini nokuti Jonadhabhu mwanakomana wokwaRekabhu baba wedu akatirayira achiti, ‘Imi hamufanire kunwa waini, imi iyemi kana vana venyu narini wose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi ivo vakati “Hatinganwi waini, nokuti Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi, baba vedu, vakatiraira vachiti, ‘Regai kunwa waini, imi, navanakomana venyu nokusingaperi;
Shona 2009?
Asi ivo vakati "Hatingamwi waini, nokuti Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi, baba vedu, vakatiraira vachiti, `Regai kumwa waini, imi, navanakomana venyu nokusingaperi;
Shona SUB 2002 Bible
Asi ivo vakati “Hatinganwi waini, nokuti Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi, baba vedu, vakatiraira vachiti, ‘Regai kunwa waini, imi, navanakomana venyu nokusingaperi;