Jeremiah 35:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino takaterera inzwi raJonadabi mŋanakomana waRekabi, ɓaɓa ʋeɗu, paɀose ɀaʋakatiraira, ʋaciti tirege kunwa waini mazuʋa eɗu ose, isu, naʋakadzi ʋeɗu, naʋanakomana ʋeɗu, naʋakunda ʋeɗu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Takateerera zvose zvatakarayirwa natateguru wedu Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi. Hapana akambonwa waini, isu kana vakadzi vedu, kana vanakomana vedu, kana vanasikana vedu,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Isu tinoteerera izwi raJonadhabhu mwanakomana wokwaRekabhu baba wedu pazvinhu zvese zvaakatirayira kuti tirege kunwa waini mazuva ose oupenyu hwedu isu namadzimai edu navanakomana vedu navanasikana vedu,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino takaterera inzwi raJonadhabhi mwanakomana waRekabhi, baba vedu, pazvose zvavakaraira, vachiti tirege kunwa waini mazuva edu ose, isu, navakadzi vedu;
Shona 2009?
"Zvino takateerera inzwi raJonadhabhi mwanakomana waRekabhi, baba vedu, pazvose zvavakaraira, vachiti tirege kumwa waini mazuva edu ose, isu, navakadzi vedu;
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino takateerera izwi raJonadhabhi mwanakomana waRekabhi, baba vedu, pazvose zvavakaraira, vachiti tirege kunwa waini mazuva edu ose, isu, navakadzi vedu;