Jeremiah 36:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo macinda ose akatuma Jehudi mŋanakomana waNetania, mŋanakomana waSheremia, mŋanakomana waKushi, kunaBaruki, aciti: Ƃata muruʋoko rwako rugwaro rwakapetwa mawakaraʋa ɀicinzwika nenzeʋe dzaʋanhu, uʋuye. Ipapo Baruki mŋanakomana waNeria wakaɓata rugwaro rwakapetwa muruʋoko rwake, akaenda kwaʋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
machinda ose akatuma Jehudhi mwanakomana waNetamia, mwanakomana waSheremia, mwanakomana waKushi, kundoti kuna Bharuki, “Tora rugwaro rwakapetwa rwawaverengera vanhu, ugouya kuno.” Saka Bharuki mwanakomana waNeria akaenda kwavari norugwaro rwakapetwa muruoko rwake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Machinda ose ndopaakatuma Jehudhi mwanakomana waNetaniya mwanakomana waSheremiya mwanakomana waKushi neshoko kuna Bharuku rokuti zvanzi, “Tora mumaoko mako bhuku rokumononora rawaverengera vanhu vachinzwa uuye.” Saizvozvo Bharuku mwanakomana waNeriya akatora mumaoko bhuku racho rokumononora ndokuenda kwavari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo machinda ose akatuma Jehudhi mwanakomana waNetania, mwanakomana waSheremiya, mwanakomana waKushi, kuna Bharuki, achiti, “Bata muruoko rwako rugwaro rwakapetwa mawakarava zvichanzwika nenzeve dzavanhu, uuye.” Ipapo Bharuki mwanakomana waNeria wakabata rugwaro rwakapetwa muruoko rwake, akaenda kwavari.
Shona 2009?
Naizvozvo machinda ose akatuma Jehudhi mwanakomana waNetania, mwanakomana waSheremiya, mwanakomana waKushi, kuna Bharuki, achiti, "Bata muruoko rwako rugwaro rwakapetwa mawakarava zvichanzwika nenzeve dzavanhu, uuye." Ipapo Bharuki mwanakomana waNeria wakabata rugwaro rwakapetwa muruoko rwake, akaenda kwavari.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo machinda ose akatuma Jehudhi mwanakomana waNetania, mwanakomana waSheremiya, mwanakomana waKushi, kuna Bharuki, achiti, “Bata muruoko rwako rugwaro rwakapetwa mawakarava zvichanzwika nenzeve dzavanhu, uuye.” Ipapo Bharuki mwanakomana waNeria wakabata rugwaro rwakapetwa muruoko rwake, akaenda kwavari.