Jeremiah 36:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iʋo ndokupinda kunamambo muruʋazhe, asi ʋakaŋga ʋaʋiga rugwaro rwakapetwa mukamuri yomunyori Erishama; ʋakaʋudza mambo mashoko ose aciɀinzwa nenzeʋe dzake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati vaisa rugwaro rwakapetwa mukamuri yomunyori Erishama, vakaenda kuna mambo muruvazhe ndokumuzivisa mashoko ose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saizvozvowo vakaenda mudare kuna mambo vasiya vaisa bhuku rokumononora riya mumba yomunyori Erishama, vakapira kuna mambo mashoko ose iwayo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ivo ndokupinda kuna mambo muruvazhe, asi vakanga vaviga rugwaro rwakapetwa mukamuri yomunyori Erishama; vakaudza mambo mashoko ose achizvinzwa nenzeve dzake.
Shona 2009?
Ivo ndokupinda kuna mambo muruvazhe, asi vakanga vaviga rugwaro rwakapetwa mukamuri yomunyori Erishama; vakaudza mambo mashoko ose achizvinzwa nenzeve dzake.
Shona SUB 2002 Bible
Ivo ndokupinda kuna mambo muruvazhe, asi vakanga vaviga rugwaro rwakapetwa mukamuri yomunyori Erishama; vakaudza mambo mashoko ose achizvinzwa nenzeve dzake.