Jeremiah 36:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehudi wakati apedza kuraʋa ɀikamu ɀitatu kana ɀinna, mambo ndokuɀiceka neɓaŋga ndokuɀikandira mumŋoto wakaŋga uri mucaeŋga, kuȿikira rugwaro rwakapetwa rwose rwapedzwa nomŋoto wakaŋga uri mucaeŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehudhi aiti kana apedza kuverenga zvikamu zvitatu kana zvina zvorugwaro rwakapetwa, mambo aibva azvicheka nebanga ozvikanda mumbaura, kusvikira gwaro rose rapiswa mumoto.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jehudhi aingoti akati verengei zvikamu zvaro zvitatu kana zvina, mambo aibva agwishura zvikamu izvozvo nekapanga obva azviti chi-i mumoto mumbaura kudzamarara bhuku rokumononora rose rapera kutsva nomoto waiva mumbaura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehudhi wakati apedza kurava zvikamu zvitatu kana zvina, mambo ndokuzvicheka nebanga ndokuzvikandira mumoto wakanga uri muchaenga, kusvikira rugwaro rwakapetwa rwose rwapedzwa nomoto wakanga uri muchaenga.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible