Jeremiah 36:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi haʋana‐kutya, kana kubvarura ŋguʋo dzaʋo, kunyaŋge mambo kunyaŋge nomumŋe waʋaranda ʋake ʋakanzwa mashoko awa ose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo navaranda vake vose vakanzwa mashoko aya ose havana kumboratidza kutya, kana kubvarura nguo dzavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvakadaro zvazvo pakati pamambo namakurukota ake akanga anzwa mashoko iwaya ose hapana kana nomumwe wavo akatya kana kubvarura hanzu dzavo neshungu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi havana kutya, kana kubvarura nguo dzavo, kunyange mambo kunyange nomumwe wavaranda vake vakanzwa mashoko awa ose.
Shona 2009?
Asi havana kutya, kana kubvarura nguvo dzavo, kunyange mambo kunyange nomumwe wavaranda vake vakanzwa mashoko awa ose.
Shona SUB 2002 Bible
Asi havana kutya, kana kubvarura nguo dzavo, kunyangwe mambo kunyangwe nomumwe wavaranda vake vakanzwa mashoko awa ose.