Jeremiah 36:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo akaraira Jerameeri mŋanakomana wamambo, naSeraia mŋanakomana waAzrieri, naSheremia mŋanakomana waAbdeeri, kuti ʋaɓate munyori Baruki nomuprofita Jeremia; asi Jehova wakaʋaʋanza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pachinzvimbo chezvo, mambo akarayira Jerameeri, mwanakomana wamambo, naSeraya mwanakomana waAzirieri naSheremia mwanakomana waAbhudhieri kuti asunge Bharuki munyori naJeremia muprofita. Asi Jehovha akanga avaviga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi mambo akatoudza Jerahimieri, mwanakomana wamambo naSeraya mwanakomana wokwaAzirieri uyewo Sheremiya mwanakomana waAbhudhieri kuti vabate Bharuku munyori nomuporofita Jeremiya, asi Tenzi akavahwandisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mambo akaraira Jerameeri mwanakomana waAzirieri, naSheremiya mwanakomana waAbhidheeri, kuti vabate munyori Bharuki nomuporofita Jeremiya; asi Jehovha wakavavanza.
Shona 2009?
Mambo akaraira Jerameeri mwanakomana waAzirieri, naSheremiya mwanakomana waAbhidheeri, kuti vabate munyori Bharuki nomuporofita Jeremiya; asi Jehovha wakavavanza.
Shona SUB 2002 Bible
Mambo akaraira Jerameeri mwanakomana waAzirieri, naSheremiya mwanakomana waAbhidheeri, kuti vabate munyori Bharuki nomuporofita Jeremiya; asi Jehovha akavavanza.