Jeremiah 36:29 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuye pamsoro paJehoiakimi mambo waʋaJuda, uti: Ɀanzi naJehova: Wapisa rugwaro urwu rwakapetwa, uciti: Wanyorerei’mo uciti: Ɀirokwaɀo mambo weBabironi ucaʋuya kuparadza nyika ino, nokubvisa’po ʋanhu neɀipfuwo?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uyezve uudze Jehoyakimi mambo weJudha, kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Wakapisa rugwaro rwuya uchiti, “Wakanyorerei parwuri uchiti zvirokwazvo mambo weBhabhironi achauya kuzoparadza nyika ino nokuparadza zvose vanhu nezvipfuwo?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvaunofanira kunyora zvichinangana naJehoyakimu mambo wokwaJudha ndezvizvi zvokuti, ‘Zvanzi naTenzi, handiti wapisaka iwe bhuku rokumononora iri’ uchiti, ‘Wakanyorerei mariri kuti mambo weBhabhironi achauya chete kuzoparadza nyika ino achitsakatisa mairi vanhu nemhuka?’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uye pamusoro paJehoiakimu mambo wavaJudha, uti, ‘Zvanzi naJehovha, wapisa rugwaro urwu rwakapetwa,’ uchiti, ‘Wanyorereimo’ uchiti, ‘Zvirokwazvo mambo weBhabhironi uchauya kuparadza nyika ino, nokubvisapo vanhu nezvipfuwo?’
Shona 2009?
Uye pamusoro paJehoiakimu mambo wavaJudha, uti, `Zvanzi naJehovha, wapisa rugwaro urwu rwakapetwa,' uchiti, `Wanyorereimo' uchiti, `Zvirokwazvo mambo weBhabhironi uchauya kuparadza nyika ino, nokubvisapo vanhu nezvipfuwo?'
Shona SUB 2002 Bible
Uye pamusoro paJehoiakimu mambo wavaJudha, uti, ‘Zvanzi naJehovha, wapisa rugwaro urwu rwechimononorwa,’ uchiti, ‘Wanyorereimo’ uchiti, ‘Zvirokwazvo mambo weBhabhironi uchauya kuparadza nyika ino, nokubvisapo vanhu nezvipfuwo?’