Jeremiah 36:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicamuroʋa iye naʋana ʋake naʋaranda ʋake nokuɗa kweɀakaipa ɀaʋo; ndicaʋuyisa pamsoro paʋo, napamsoro paʋagere Jerusarema, napamsoro paʋarume ʋaJuda, ɀakaipa ɀose ɀandakareʋa pamsoro paʋo, asi haʋana‐kuterera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichamuranga navana vake uye navaranda vake nokuda kwezvakaipa zvavo; ndichauyisa pamusoro pavo navose vanogara muJerusarema navanhu veJudha njodzi imwe neimwe yandakareva pamusoro pavo, nokuti havana kuteerera.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichamuranga iye nezvizvarwa zvake navaranda vake ndichivarangira uipi hwavo. Ndichaunzira vanhu ava navagari vomuJerusaremu navanhu vokwaJudha zvakaipa zvose zviya zvandakati zvivawire asi ivo havana kuteerera.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndichamurova iye navana vake navaranda vake nokuda kwezvakaipa zvavo; ndichauyisa pamusoro pavo, napamusoro pavagere Jerusaremu, napamusoro pavarume vaJudha, zvakaipa zvose zvandakareva pamusoro pavo, asi havana kuterera.’ ”
Shona 2009?
Ndichamurova iye navana vake navaranda vake nokuda kwezvakaipa zvavo; ndichauyisa pamusoro pavo, napamusoro pavagere Jerusaremu, napamusoro pavarume vaJudha, zvakaipa zvose zvandakareva pamusoro pavo, asi havana kuteerera.'
Shona SUB 2002 Bible
Ndichamurova iye navana vake navaranda vake nokuda kwezvakaipa zvavo; ndichauyisa pamusoro pavo, napamusoro pavagere Jerusaremu, napamusoro pavarume vaJudha, zvakaipa zvose zvandakareva pamusoro pavo, asi havana kuterera.’ ”