Jeremiah 36:32 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Jeremia wakatora rumŋe rugwaro rwakapetwa, akarupa munyori Baruki, mŋanakomana waNeria, iye akanyora’mo mashoko ose akabva mumuromo waJeremia, aiʋa mubuku yakapiswa mumŋoto naJehoiakimi mambo waJuda; mamŋe mashoko mazhinji akafanana nawo akawedzerwa ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Jeremia akatora rumwe rugwaro rwakapetwa ndokurupa kuna Bharuki munyori, mwanakomana waNeria, Bharuki ndokunyora pamusoro parwo mashoko ose orugwaro rwakanga rwapiswa naJehoyakimi, mambo weJudha, Jeremia achimutaurira. Mashoko akawanda akafanana nawo akawedzerwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jeremiya akatorawo rimwe bhuku rokumononora akaripa kunyanzvi yomutemo, Bharuku mwanakomana waNeriya akabva anyora mariri mazwi ose aibva mumuromo maJeremiya, mashoko ose omubhuku riya rakanga rapiswa mumoto naJehoyakimu mambo wokwaJudha achiisawo mamwe mazwi akawanda akaita saiwawo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Jeremiya wakatora rumwe rugwaro rwakapetwa, akarupa munyori Bharuki, mwanakomana waNeria, iye akanyoramo mashoko ose akabva mumuromo waJeremiya, aiva mubhuku yakapiswa nomoto naJehoiakimu mambo waJudha; mamwe mashoko mazhinji akafanana nawo akawedzerwawo.
Shona 2009?
Ipapo Jeremiya wakatora rumwe rugwaro rwakapetwa, akarupa munyori Bharuki, mwanakomana waNeria, iye akanyoramo mashoko ose akabva mumuromo waJeremiya, aiva mubhuku yakapiswa nomoto naJehoiakimu mambo waJudha, mamwe mashoko mazhinji akafanana nawo akawedzerwawo.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Jeremiya wakatora rumwe rugwaro rwachimononorwa, akarupa munyori Bharuki, mwanakomana waNeria, iye akanyoramo mashoko ose akabva mumuromo waJeremiya, aiva mubhuku rakapiswa nomoto naJehoiakimu mambo waJudha; mamwe mashoko mazhinji akafanana nawo akawedzerwawo.