Jeremiah 37:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kunyaŋge maikunda henyu hondo yose yaʋaKardea, ʋanorwa nemi, kukaŋgosara kwaʋari ʋanhu ʋakakuʋadzwa ɓedzi, kunyaŋge ɀakaɗaro ʋaisimuka, mumŋe nomumŋe mutente rake, ʋakapisa guta rino nomŋoto.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange dai mungakunda hondo yose yavaBhabhironi iri kukurwisai uye kugosara vakakuvara bedzi mumatende, ivavo vachauya vakapisa guta rino.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinodaro nokuti kunyange mukakurira hondo yose yavaKaridhea vari kukurwisai, zvokungosara kwavari ikoko varwi vakakuvadzwa chete, vari mumatendhe avo, ivavo vaitomuka, vagopisa guta rino nomoto.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nokuti kunyange maikunda henyu hondo yose yavaKaradhea, vanorwa nemi, kukangosara kwavari vanhu vakakuvadzwa bedzi, kunyange zvakadaro vaisimuka, mumwe nomumwe mutende rake, vakapisa guta rino nomoto.”
Shona 2009?
"Nokuti kunyange maikunda henyu hondo yose yavaKaradhea, vanorwa nemi, kukangosara kwavari vanhu vakakuvadzwa bedzi, kunyange zvakadaro vaisimuka, mumwe nomumwe mutende rake vakapisa guta rino nomoto."
Shona SUB 2002 Bible
“Nokuti kunyangwe maikunda henyu hondo yose yavaKaradhia, vanorwa nemi, kukangosara kwavari vanhu vakakuvadzwa bedzi, kunyangwe zvakadaro vaisimuka, mumwe nomumwe mutende rake, vakapisa guta rino nomoto.”