Jeremiah 37:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati ari pasuʋo raBenjamini, mumŋe mukuru waʋarindi akaȿika’po, wainzi Irija mŋanakomana waSheremia, mŋanakomana waHanania, iye akaɓata muprofita Jeremia, aciti: Iwe wo ti shandukira ucienda kuʋaKardea.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi akati asvika paSuo raBhenjamini, mukuru wavarindi, ainzi Irija mwanakomana waSheremia, mwanakomana waHanania, akamusunga ndokuti, “Iwe wava kutiza uchienda kuvaBhabhironi!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakasvika paSuo Guru rokwaBhenjamini mumwe mugariri wepo ainzi Iriya mwanakomana waSheremiya mwanakomana waHananiya, akabata muporofita Jeremiya achiti, “Kutizira kuvaKaridhea kwawava kuitaka iwe!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino wakati ari pasuo raBhenjamini, mumwe mukuru wavarindi akasvikapo, wainzi Irija mwanakomana waSheremiya, mwanakomana waHanania, iye akabata muporofita Jeremiya, achiti, “Iwe wotishandukira uchienda kuvaKaradhea.”
Shona 2009?
Zvino wakati ari pasuo raBhenjamini, mumwe mukuru wavarindi akasvikapo, wainzi Irija mwanakomana waSheremiya, mwanakomana waHanania, iye akabata muporofita Jeremiya, achiti, "Iwe wotishandukira uchienda kuvaKaradhea."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino wakati ari pasuwo raBhenjamini, mumwe mukuru wavarindi akasvikapo, wainzi Irija mwanakomana waSheremiya, mwanakomana waHanania, iye akabata muporofita Jeremiya, achiti, “Iwe wotishandukira uchienda kuvaKaradhia.”