Jeremiah 37:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
mambo Zedekia akatuma nhume kuzomutora, mambo akamubvunza cinyararire mumba make, aciti: Kuneshoko rinobva kunaJehova here? Jeremia akati: Riri’ko. Akati ʋo: Imi mucaiswa muruʋoko rwamambo weBabironi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo mambo Zedhekia akatuma nhume kundomutora akaita kuti aiswe kumuzinda, kwaakamubvunza pakavanda, achiti, “Pane shoko rabva kuna Jehovha here?” Jeremia akapindura akati, “Hongu, muchaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
mambo Zedhekiya akatuma vanhu kundomutora ndokubva amugamuchira. Mambo akamubvunza muchivande mumuzinda make kuti, “Pane shoko rabva kuna Tenzi here?” Jeremiya akati, “Hongu riripo.” Akabva ati, “Imimi muchaiswa mumaoko amambo weBhabhironi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
mambo Zedhekia akatuma nhume kuzomutora, mambo akamubvunza chinyararire mumba make, achiti, “Kune shoko rinobva kuna Jehovha here?” Jeremiya akati, “Ririko.” Akatiwo, “Imi muchaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi.”
Shona 2009?
mambo Zedhekia akatuma nhume kuzomutora, mambo akamubvunza chinyararire mumba make, achiti, "Kune shoko rinobva kuna Jehovha here?" Jeremiya akati, "Ririko." Akatiwo, "Imi muchaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi."
Shona SUB 2002 Bible
mambo Zedhekiya akatuma nhume kuzomutora, mambo akamubvunza chinyararire mumba make, achiti, “Kune shoko rinobva kuna Jehovha here?” Jeremiya akati, “Ririko.” Akatiwo, “Imi muchaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi.”