Jeremiah 37:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mambo Zedekia wakatema cireʋo, ʋakaisa Jeremia kuruʋazhe rwaʋarindi, ʋakamupa zuʋa rimŋe nerime ɓundu reciŋgwa, raibva munzira yomuguta yainzi yaʋaɓiki ʋeciŋgwa, kuȿikira ciŋgwa cose capera muguta. Saiɀoɀo Jeremia akagara muruʋazhe rwaʋarindi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo mambo Zedhekia akarayira kuti Jeremia aiswe muruvazhe rwavarindi uye kuti apiwe chingwa chaibva mumugwagwa wavabiki zuva rimwe nerimwe kusvikira musisina chingwa muguta. Saka Jeremia akaramba ari muruvazhe rwavarindi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokudaro mambo Zedhekiya akatema zvaifanira kuitwa, vanhu vakabva vachengetera Jeremiya munhandare yevachengetedzi vokwamambo. Izvozvo Jeremiya akanga ava kupiwa chingwa chimwechete pazuva chichibva kumugwagwa weguta wainzi Wavabiki Vechingwa kusvikira chingwa chose chomuguta chapera. Saizvozvo Jeremiya akaramba ari munhandare yavachengetedzi vokwamambo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mambo Zedhekia wakatema chirevo, vakaisa Jeremiya kuruvazhe rwavarindi, vakamupa zuva rimwe nerimwe bundu rechingwa, raibva munzira yomuguta yainzi yavabiki vechingwa, kusvikira chingwa chose chapera muguta. Saizvozvo Jeremiya akagara muruvazhe rwavarindi.
Shona 2009?
Ipapo mambo Zedhekia wakatema chirevo, vakaisa Jeremiya kuruvazhe rwavarindi, vakamupa zuva rimwe nerimwe bundu rechingwa, raibva munzira yomuguta yainzi yavabiki vechingwa, kusvikira chingwa chose chapera muguta. Saizvozvo Jeremiya akagara muruvazhe rwavarindi.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mambo Zedhekiya wakatema chirevo, vakaisa Jeremiya kuruvazhe rwavarindi, vakamupa zuva rimwe nerimwe bundu rechingwa, raibva munzira yomuguta yainzi yavabiki vechingwa, kusvikira chingwa chose chapera muguta. Saizvozvo Jeremiya akagara muruvazhe rwavarindi.