Jeremiah 37:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mambo Zedekia wakatuma Jehukari mŋanakomana waSheremia, naZefania mŋanakomana womuprista Maaseia, kunomuprofita Jeremia, aciti: Tinyeŋgeterere hako ɀino kunaJehova Mŋari weɗu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange zvakadaro, mambo Zedhekia akatuma Jehukari mwanakomana waSheremia, nomuprista Zefania mwanakomana waMaaseya kuna Jeremia muprofita namashoko aya: “Ndapota tinyengetererewo kuna Jehovha Mwari wedu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo Zedhekiya akatuma Jehukaru mwanakomana waSheremiya nomupristi Zefaniya mwanakomana waMaaseya kumuporofita Jeremiya neshoko rokuti, “Tinamatirewo kuna Tenzi, Mwari wedu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mambo Zedhekia wakatuma Jehukari mwanakomana waSheremiya, naZefaniya mwanakomana womupristi Maaseia, kunomuporofita Jeremiya, achiti, “Tinyengeterere hako zvino kuna Jehovha Mwari wedu.”
Shona 2009?
Zvino mambo Zedhekia wakatuma Jehukari mwanakomana waSheremiya, naZefaniya mwanakomana womuprista Maaseia, kumuporofita Jeremiya, achiti, "Tinyengeterere hako zvino kuna Jehovha Mwari wedu."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mambo Zedhekiya wakatuma Jehukari mwanakomana waSheremiya, naZefania mwanakomana womupristi Maaseia, kuno muporofita Jeremiya, achiti, “Tinyengeterere hako zvino kuna Jehovha Mwari wedu.”