Jeremiah 37:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova, Mŋari waIsraeri: Itiyi kunamambo waJuda wakakutumai kuzondibvunza: Tarirai, hondo yaFarao, yakaʋuya kuzokuɓatsirai, icadzokera Egipita kunyika yaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvanzi naJehovha, Mwari weIsraeri: Udza mambo weJudha, iye akakutuma kuzondibvunza, kuti, ‘Hondo yaFaro yakauya kuzokubatsirai, ichadzokera kuIjipiti kunyika yavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri heinoi mhinduro yokundopa mambo wokwaJudha akakutumai kuzonzwa kuti ini ndinoti kudii. Ndinoti, chinzwai, iyo hondo yaFarao yakauya kuzokubatsirai yava kutoda kudzokera kuIjipiti kunyika kwayo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, itiyi kuna mambo waJudha wakakutumai kuzondibvunza, ‘Tarirai, hondo yaFarao, yakauya kuzokubatsirai, ichadzokera Ijipiti kunyika yavo.
Shona 2009?
"Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, itiyi kuna mambo waJudha wakakutumai kuzondibvunza, `Tarirai, hondo yaFarao, yakauya kuzokubatsirai, ichadzokera Ijipiti kunyika yavo.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, itiyi kuna mambo waJudha wakakutumai kuzondibvunza, ‘Tarirai, hondo yaFarao, yakauya kuzokubatsirai, ichadzokera Ijipiti kunyika yavo.