Jeremiah 38:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Ebedi‐mereki akatora ʋanhu iʋaʋo, akaenda naʋo mumba mamambo pasi peciʋigiro cefuma, akatora’po mamvemve neŋguʋo dzakasakara, akaɀiɓurusira namaɓote mugomba kunaJeremia.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Ebhedhi-Mereki akatora varume akaenda navo kumba yaiva pasi pechivigiro chepfuma mumuzinda wamambo. Akatorawo mamvemve nenguo tsaru kubva ipapo ndokuzvidzikisa pasi netambo kuna Jeremia mugomba.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ebhedhimereki akabvawo atora varume akaenda navo mumuzinda wamambo. Vakasvika muwodhirobu mumba maichengeterwa zvinhu; vakatoramo mamvemve namarengenya embatya aakadzikisa netambo pasi paiva naJeremiya mumugodhi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Ebhedhimereki akatora vanhu ivavo, akaenda navo mumba mamambo pasi pechivigiro chepfuma, akatorapo mamvemve nenguo dzakasakara, akazviburusira namabote mugomba kuna Jeremiya.
Shona 2009?
Ipapo Ebhedhimereki akatora vanhu ivavo, akaenda navo mumba mamambo pasi pechivigiro chefuma, akatorapo mamvemve nenguvo dzakasakara, akazviburusira namabote mugomba kuna Jeremiya.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Ebhedhimereki akatora vanhu ivavo, akaenda navo mumba mamambo pasi pechivigiro chepfuma, akatorapo mamvemve nenguo dzakasakara, akazviburusira namabote mugomba kuna Jeremiya.