Jeremiah 38:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mambo Zedekia akatuma nhume akaʋuyisa muprofita Jeremia kwaari pamukoʋa wecitatu uri mumba maJehova; mambo akati kunaJeremia: Ndicakubvunza shoko; usandiʋanzira cinhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo mambo Zedhekia akatuma nhume akauyisa muprofita Jeremia pamukova wechitatu wokupinda patemberi yaJehovha. Mambo akati kuna Jeremia, “Ndinoda kukubvunza chimwe chinhu. Usandivanzira chinhu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo Zedhekiya akatumira nhume kundodaidza muporofita Jeremiya akabva andochingamidzana naye kumusuo wetatu wokupinda muTemberi yaTenzi. Mambo akati kuna Jeremiya, “Ndava kukubvunza mubvunzo, iwe rega kundivanzira kana chinhu zvacho.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mambo Zedhekia akatuma nhume akauyisa muporofita Jeremiya kwaari pamukova wechitatu uri mumba maJehovha; mambo akati kuna Jeremiya, “Ndichakubvunza shoko; usandivanzira chinhu.”
Shona 2009?
Ipapo mambo Zedhekia akatuma nhume akauyisa muporofita Jeremiya kwaari pamukova wechitatu uri mumba maJehovha; mambo akati kuna Jeremiya, "Ndichakubvunza shoko; usandivanzira chinhu."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mambo Zedhekiya akatuma nhume akauyisa muporofita Jeremiya kwaari pamukova wechitatu uri mumba maJehovha; mambo akati kuna Jeremiya, “Ndichakubvunza shoko; usandivanzira chinhu.”