Jeremiah 38:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo mambo Zedekia wakapikira Jeremia cinyerere, akati: NaJehova mupenyu, wakatipa ʋupenyu ubgu, handiŋgakuʋurayi, kana kukuisa mumaʋoko aʋanhu aʋa ʋanotȿaka kukuʋuraya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi mambo Zedhekia akapikira Jeremia mhiko iyi pakavanda achiti, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, iye akatipa mweya watinofema, handingakuurayi kana kukuisa mumaoko avavo vanotsvaka kukuuraya.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo Zedhekiya ndokupika mhiko muchivande kuna Jeremiya yokuti, “NaTenzi mupenyu chaiye, musiki wemweya yedu, handisi kuzokuuraya kana kukuturira mumaoko avarume ava vanovavarira kukupfuudza upenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo mambo Zedhekia wakapikira Jeremiya chinyerere, akati, “NaJehovha mupenyu, wakatipa hupenyu uhwu, handingakuurayi, kana kukuisa mumaoko avanhu ava vanotsvaka kukuuraya.”
Shona 2009?
Naizvozvo mambo Zedhekia wakapikira Jeremiya chinyararire, akati, "NaJehovha mupenyu, wakatipa hupenyu uhwu, handingakuurayi, kana kukuisa mumaoko avanhu ava vanotsvaka kukuuraya."
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo mambo Zedhekiya wakapikira Jeremiya chinyerere, akati, “NaJehovha mupenyu, wakatipa upenyu uhwu, handingakuurayi, kana kukuisa mumaoko avanhu ava vanotsvaka kukuuraya.”