Jeremiah 38:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Jeremia akati kunaZedekia: Ɀanzi naJehova, Mŋari wehondo, Mŋari waIsraeri: Kana mukatenda kuenda kumacinda amambo weBabironi, mŋeya wenyu ucararama, neguta rino hariŋgapiswi nomŋoto; imi mucararama, neimba yenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jeremia akati kuna Zedhekia, “Zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, ‘Kana ukazvipira kuvaranda vamambo weBhabhironi, upenyu hwenyu hucharwirwa uye guta rino haringapiswi; imi nemhuri muchararama.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jeremiya akabva ati kuna Zedhekiya, “Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, kana mukaita zvokuzvipereka kumachinda amambo weBhabhironi uye guta rino iri harizopiswa nomoto uyewo imi nemba yenyu muchararama.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Jeremiya akati kuna Zedhekia, “Zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Kana mukatenda kuenda kumachinda amambo weBhabhironi, mweya wenyu uchararama, neguta rino haringapiswi nomoto; imi muchararama, neimba yenyu.’
Shona 2009?
Ipapo Jeremiya akati kuna Zedhekia, "Zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri, `Kana mukatenda kuenda kumachinda amambo weBhabhironi, mweya wenyu uchararama, neguta rino haringapiswi nomoto; imwi muchararama, neimba yenyu.'
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Jeremiya akati kuna Zedhekiya, “Zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Kana mukatenda kuenda kumachinda amambo weBhabhironi, mweya wenyu uchararama, neguta rino haringapiswi nomoto; imi muchararama, neimba yenyu.’