Jeremiah 38:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kana mukaramba kuenda kumacinda amambo weBabironi, ipapo guta rino ricaiswa mumaʋoko aʋaKardea, iʋo ʋacaripisa nomŋoto, nemi hamuŋgapukunyuki pamaʋoko aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kana mukaramba kuzvipira kuvaranda vamambo weBhabhironi, guta rino richaiswa mumaoko avaBhabhironi uye vacharipisa; nemi pachenyu hamungapukunyuki pamaoko avo.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi kana mukarega henyu kuzvipereka kumachinda amambo weBhabhironi zvichaita kuti guta rino riiswe mumaoko mavaKaridhea vacharipisa nomoto. Imi hamuzombopunyuki mumaoko mavo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi kana mukaramba kuenda kumachinda amambo mumaoko avaKaradhea, ivo vacharipisa nomoto, nemi hamungapukunyuki pamaoko avo.”
Shona 2009?
Asi kana mukaramba kuenda kumachinda amambo mumaoko avaKaradhea, ivo vacharipisa nomoto, nemwi hamungapukunyuki pamaoko avo."
Shona SUB 2002 Bible
Asi kana mukaramba kuenda kumachinda amambo mumaoko avaKaradhia, ivo vacharipisa nomoto, nemi hamungapukunyuki pamaoko avo.”