Jeremiah 38:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Jeremia wakati: Haʋaŋgakuisiyi kwaʋari. Citererai henyu inzwi raJehova, seɀandinokuʋudzai; ipapo mucaʋa nomufaro, nomŋeya wenyu ucararama.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jeremia akati kwaari, “Havangakuisiyi kwavari. Teererai Jehovha nokuita zvandakuudzai. Ipapo zvichakunakirai imi, uye upenyu hwenyu huchararamiswa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jeremiya ndokuti, “Hamusi kuzoiswa mumaoko mavo! Chingoteererai zvenyu izwi raTenzi pane zvandiri kukutaurirai kuitira kuti zvikunakirei. Uye muchasiyiwa muri mupenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Jeremiya wakati, “Havangakusiyi kwavari. Chitererai henyu inzwi raJehovha, sezvandinokuudzai; ipapo muchava nomufaro, nomweya wenyu uchararama.
Shona 2009?
Asi Jeremiya wakati, "Havangakusiyiyi kwavari. Chiteererai henyu inzwi raJehovha, sezvandinokuudzai; ipapo muchava nomufaro, nomweya wenyu uchararama.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Jeremiya wakati, “Havangakusiyi kwavari. Chiteererai henyu izwi raJehovha, sezvandinokuudzai; ipapo muchava nomufaro, nomweya wenyu uchararama.