Jeremiah 38:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarirai, ʋakadzi ʋose ʋakasara mumba mamambo waJuda, ʋacaɓuɗisirwa kumacinda amambo weBabironi; ɀino ʋakadzi aʋo ʋacati: Shamŋari dzenyu dzinoɗikanwa nemi ndidzo dzakakunyeŋgerai, dzikakukundai; ɀino tsoka dzenyu ɀadzanyura mumatope, ʋo ku furatirai.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakadzi vose vakasara mumuzinda wamambo weJudha vachabudiswa vachiendeswa kumachinda amambo weBhabhironi. Vakadzi ivavo vachati kwamuri: “ ‘Vakakutsausai uye vakakukundai, ivo shamwari dzamaivimba nadzo. Tsoka dzenyu dzanyura mumadhaka; shamwari dzenyu dzakakutizai.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinoona vakadzi vose zvavo vachibva mumuzinda wamambo wokwaJudha vachibudwa navo kuenda kumachinda amambo weBhabhironi vachiti, “ShaMwari dzako dzawaivimba nadzo dzakakunyengedza dzikakwanisa. Zvino wachiti makumbo tindindi kunyura mudhaka ivo vakakufuratira kusiya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
‘Tarirai, vakadzi vose vakasara mumba mamambo waJudha, vachabudisirwa kumachinda amambo weBhabhironi;’ zvino vakadzi avo vachati, ‘Shamwari dzenyu dzinodikanwa nemi ndidzo dzakakunyengerai, dzikakukundai; zvino tsoka dzenyu zvadzanyura mumatope, vokufuratirai.’
Shona 2009?
‘Tarirai, vakadzi vose vakasara mumba mamambo waJudha, vachabudisirwa kumachinda amambo weBhabhironi,' zvino vakadzi avo vachati, `Shamwari dzenyu dzinodikamwa nemwi ndidzo dzakakunyengerai, dzikakukundai, zvino tsoka dzenyu zvadzanyura mumatope, vokufuratirai.'
Shona SUB 2002 Bible
‘Tarirai, vakadzi vose vakasara mumba mamambo waJudha, vachabudisirwa kumachinda amambo weBhabhironi;’ zvino vakadzi avo vachati, ‘Shamwari dzenyu dzinodikanwa nemi ndidzo dzakakunyengerai, dzikakukundai; zvino tsoka dzenyu zvadzanyura mumatope, vokufuratirai.’