Jeremiah 38:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋacaɓuɗisira ʋakadzi ʋenyu ʋose naʋana ʋenyu kuʋaKardea; nemi ʋo hamuŋgapukunyuki pamaʋoko aʋo asi mucaɓatwa noruʋoko rwamambo weBabironi; imi mucapisisa guta rino nomŋoto.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Vakadzi venyu vose navana vachabudiswa vachiendeswa kuvaBhabhironi. Nemi pachenyu hamungapukunyuki mumaoko avo, asi muchabatwa namambo weBhabhironi; uye guta rino richapiswa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Madzimai enyu ose navanakomana venyu vachaendwa navo kuvaKaridhea, imiwo hamusi kuzopunyuka. Asi muchatobatwa namambo weBhabhironi uye guta rino richapiswa nomoto.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vachabudisira vakadzi venyu vose navana venyu kuvaKaradhea; nemiwo hamungapukunyuki pamaoko avo asi muchabatwa noruoko rwamambo weBhabhironi; imi muchapisisa guta rino nomoto.”
Shona 2009?
Vachabudisira vakadzi venyu vose navana venyu kuvaKaradhea; nemiwo hamungapukunyuki pamaoko avo asi muchabatwa noruoko rwamambo weBhabhironi; imwi muchapisisa guta rino nomoto."
Shona SUB 2002 Bible
Vachabudisira vakadzi venyu vose navana venyu kuvaKaradhia; nemiwo hamungapukunyuki pamaoko avo asi muchabatwa noruoko rwamambo weBhabhironi; imi muchapisisa guta rino nomoto.”