Jeremiah 38:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino macinda ose akaʋuya kunaJeremia, akamubvunza, akaʋaʋudza mashoko awa ose seɀakaŋga ɀarairwa namambo. Naiɀoɀo ʋakarega kuzotaura naye, nokuti shoko rakaŋga risina‐kuzikanwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Machinda ose akauya kuna Jeremia ndokumubvunza, iye akavaudza zvinhu zvose zvaakanga arayirwa namambo kuti ataure. Naizvozvo vakarega kutaura naye zvakare, nokuti hapana akanga anzwa zvaakanga akurukura namambo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Machinda ose akazouyawo kuna Jeremiya vakamubvumunza, iye akavapindura sokunyeverwa kwaakanga aitwa namambo. Ipapo vakabva varega kutaura naye nokuti hurukuro iyoyo yakanga isina wamboinzwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino machinda ose akauya kuna Jeremiya, akamubvunza, akavaudza mashoko awa ose sezvakanga zvarairwa namambo. Naizvozvo vakarega kuzotaura naye, nokuti shoko rakanga risina kuzikanwa.
Shona 2009?
Zvino machinda ose akauya kuna Jeremiya, akamubvunza, akavaudza mashoko awa ose sezvakanga zvarairwa namambo. Naizvozvo vakarega kuzotaura naye, nokuti shoko rakanga risina kuzikamwa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino machinda ose akauya kuna Jeremiya, akamubvunza, akavaudza mashoko awa ose sezvakanga zvarairwa namambo. Naizvozvo vakarega kuzotaura naye, nokuti shoko rakanga risina kuzikanwa.