Jeremiah 38:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo macinda akati kunamambo: Tinokumbira kuti munhu uyu aʋurawe, nokuti unoshaisa simba maʋoko aʋarwi ʋakasara muguta rino, namaʋoko aʋanhu ʋose nokutaura kwake mashoko akaɗai kwaʋari; nokuti munhu uyu haatȿaki mufaro waʋanhu aʋa asi kuti ʋaʋe nenjodzi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo machinda akati kuna mambo, “Munhu uyu anofanira kufa. Ari kuodza mwoyo yavarwi vakasara muguta rino, pamwe chete navanhu vose, nezvinhu zvaanotaura kwavari. Uyu munhu haatsvaki zvakanakira vanhu ava asi kuparadzwa kwavo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Machinda aya akati kuna mambo, “Madii kuuraya munhu uyu nokuti ari kurukutisa maoko avarwi vasara muguta rino achirukutisawo maoko avanhu vose nokuvataurira mazwi akadaro. Chiripo ndechokuti murume uyu haasi kuda kuti zvinhu zvifambire vanhu ava zvakanaka asi kuti zvivaipire.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo machinda akati kuna mambo, “Tinokumbira kuti munhu uyu aurawe, nokuti unoshaisa simba maoko avarwi vakasara muguta rino, namaoko avanhu vose nokutaura kwake mashoko akadai kwavari; nokuti munhu uyu haatsvaki mufaro wavanhu ava asi kuti vave nenjodzi.”
Shona 2009?
Ipapo machinda akati kuna mambo, "Tinokumbira kuti munhu uyu aurawe, nokuti unoshaisa simba maoko avarwi vakasara muguta rino, namaoko avanhu vose nokutaura kwake mashoko akadai kwavari; nokuti munhu uyu haatsvaki mufaro wavanhu ava asi kuti vave nenjodzi."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo machinda akati kuna mambo, “Tinokumbira kuti munhu uyu aurawe, nokuti unoshaisa simba maoko avarwi vakasara muguta rino, namaoko avanhu vose nokutaura kwake mashoko akadai kwavari; nokuti munhu uyu haatsvaki mufaro wavanhu ava asi kuti vave nenjodzi.”